Kufudza (herding animals; to shepherd) kana kulisa[1] (kuChikaranga) zvinoreva kuchengetedza zvipfuyo kana kuti mhuka dzepamusha panguva iyo dzinenge dziri kumafuro. Basa iri rine zvinangwa zvinosanganisira: kusvitsa zvipfuyo kunzvimbo dzine mafuro akanaka; kusvitsa mhuka kunonwirwa mvura; kudzivirira mhuka kuti dzisabiwa kana kukuvadzwa; kuchengetedza mhuka kuti dzisadya zvirimwa muminda.