Kufudza

Kufudza (herding animals; to shepherd) kana kulisa[1] (kuChikaranga) zvinoreva kuchengetedza zvipfuyo kana kuti mhuka dzepamusha panguva iyo dzinenge dziri kumafuro. Basa iri rine zvinangwa zvinosanganisira: kusvitsa zvipfuyo kunzvimbo dzine mafuro akanaka; kusvitsa mhuka kunonwirwa mvura; kudzivirira mhuka kuti dzisabiwa kana kukuvadzwa; kuchengetedza mhuka kuti dzisadya zvirimwa muminda.

  1. C.S Louw, (1915), A manual of the Chikaranga language, peji 18., Bulawayo Philpott & Collins. Yakatariswa: 26 Nymavhuvhu 2021

From Wikipedia, the free encyclopedia · View on Wikipedia

Developed by Tubidy