Chindau

Mutauro Chindau
Vatuari 2.4 miriyioni (2000-2006)
Mutauronyina Shanga

Danda

Mhuri yemutauro Chibantu
  • Chivanhu (Chishona)
  • S15 (Chindau)
Nzvimbo Zimbabwe, Mazambuko
Duramazwi reChindau repaWikipidhiya

Chindau (Mamwe mazita: Ndau kana Ndzawu) mutauro weChishona (kana Chivanhu) unotaurwa kumabvazuva kwenyika yeZimbabwe nevanhu vanonziVandau kana Mandau, uye mumatunhu eMozambique. Chindau chiChimanyika chine kahunhu ke Chinguni nokuti Vandau vakasvikirwa ne Vanguni vakagara, kuroora uye kutaudzana nawo, nekuda kwe izvi Chindau chine mashoko eChinguni (vanotaura mamwe mashoko sezvinoitwa ne Vanguni), asi kunyangwe hazvo zvakadaro Chindau chinonzwika kuVashona kwete Vanguni nekuti ruzhinji rwayo rwakaramba rwakafanana neChimanyika kakuru.

Vandau vanowanikwa muhuwandu ruzhinji kunzvimbo senge Chipinge, Chimanimani, Manicaland uye kune huwandu hwudoko hweVandau vanowanikwa wo kuMasvingo munzvimbo dzinenge Bikita. Mumitauro ye Chivanhu, Chikaranga ne Chindau ndicho chinozivikwana kuti chakasiyana nokuda kwemabhi asingawanikwe kuchimwe Chivanhu senge x, c, l kana q.

Pamusoro pezvo, Vandau kana Mandau vanotora 3% yehuwandu hweVashona.


From Wikipedia, the free encyclopedia · View on Wikipedia

Developed by Tubidy