Rudyi

Muchidzidzo Pimanyika, rudyi (right-hand in English) zvinoreva divi rinotarisa kuMaodzanyemba kana munhu akatarisa kuMadokero. Divi iri ndiro divi rakapesana nekune moyo wemunhu. Vanhu vanoshandisa rudyi vakawanda kudarika avo vanoshandisa ruboshwe. Kunoitawo vamwe vane chipo chekugona kushandisa zvose ruboshwe nerudyi.

Verudzi rweChiShona vanokoshesa kumhoresana neruwoko rwerudyi; vamwe vanokoshesawo kudya vachishandisa ruwoko rwerudyi. Hazvitariswe zvakanaka kana munhu akagashira chinhu noruwoko rweruboshwe. Vabereki vanoedza napose kugombedzera vana kuti vashandise rudyi pakumhoresa, kudya, nokugashira. Makarekare vadzidzisi vaiedza napose kukurudzira vana vechikoro kuti vashandise ruwoko rwerudyi pakunyora nokuita mamwe mabasa.

Asi kune avo vane ruboshwe rwakasimba kwave kuita vamwe vanoshandisa ruboshwe irworwo kudya nokuti kwavari ndirwo rwune simba.


From Wikipedia, the free encyclopedia · View on Wikipedia

Developed by Tubidy